Zechariah 14

Jehovha Anouya uye Achabata Ushe

1Zuva raJehovha richauya zvawakapamba pazvichagoverwa pakati penyu.

2Ndichaunganidza ndudzi dzose kuJerusarema kuti dzirwise; guta richatorwa, dzimba dzigopambwa, uye vakadzi vachachinyiwa. Hafu yeguta ichatapwa, asi vamwe vanhu vose havazobviswi muguta.

3Ipapo Jehovha achabuda kuti andorwisa ndudzi idzodzo, sokurwa kwaanoita pazuva rehondo. 4Pazuva iroro tsoka dzake dzichamira paGomo reMiorivhi, kumabvazuva kweJerusarema, uye Gomo reMiorivhi richapamuka napakati kubva kumabvazuva kusvikira kumadokero, pagoita mupata mukuru kwazvo, imwe hafu yegomo ichatsedukira kurutivi rwokumusoro uye imwe hafu ichatsedukira zasi. 5Muchatiza nomumupata wegomo rangu, nokuti uchasvika kuAzeri. Muchatiza sokutiza kwamakaita pakudengenyeka kwenyika pamazuva aUzia mambo weJudha. Ipapo Jehovha Mwari wangu achauya, uye navatsvene vose pamwe chete naye.

6Pazuva iroro hakuzovi nechiedza, kutonhora kana chando. 7Richava zuva rakasiyana namamwe, risina nguva dzousiku kana nguva dzamasikati, zuva rinozivikanwa naJehovha. Kana madekwana asvika, chiedza chichavapo.

8Pazuva iroro mvura mhenyu ichayerera ichibuda muJerusarema, hafu kugungwa rokumabvazuva uye imwe hafu kugungwa rokumadokero, muzhizha nomuchando.

9Jehovha achava mambo panyika yose. Pazuva iroro pachava naJehovha mumwe chete, uye zita rake rigova zita rimwe chete roga.

10Nyika yose kubva kuGebha kusvikira kuRimoni, nechezasi kweJerusarema, ichava seArabha. Asi Jerusarema richasimudzirwa rigogara panzvimbo paro, kubva kuSuo raBhenjamini kusvikira kuSuo Rokutanga, kusvikirawo kuSuo Repakona, uye kubva kuShongwe yaHananeri kusvikira kuzvisviniro zvewaini zvamambo. 11Ichagarwa; haichazoparadzwizve. Jerusarema richachengetedzeka.

12Iri ndiro denda Jehovha raacharova naro ndudzi dzose dzakarwisa Jerusarema: Nyama yavo ichaora vachakamira namakumbo avo, maziso avo achaorera mumakomba awo, uye rurimi rwomumwe nomumwe wavo ruchaorera mumukanwa make. 13Pazuva iroro varume vacharohwa naJehovha nokutya kukuru. Murume mumwe nomumwe achabata ruoko rwomumwe wake, vagorwisana. 14Judhawo icharwa paJerusarema. Upfumi hwendudzi dzose dzakakomberedza Jerusarema huchatorwa, goridhe rakawanda, sirivha yakawanda nenguo zhinji. 15Denda rakafanana nairori richarova mabhiza namanyurusi, ngamera nembongoro, uye nezvipfuwo zvose zviri mumisasa iyoyo.

16Ipapo vachararama kubva kundudzi dzose dzakarwisa Jerusarema vachaenda gore negore kundonamata Mambo, Jehovha Wamasimba Ose, uye nokundopemberera Mutambo waMatumba. 17Kana marudzi ose avanhu vapanyika akasaenda kuJerusarema kundonamata Mambo, Jehovha Wamasimba Ose, mvura hainganayi munyika dzavo. 18Kana vaIjipita vakasaenda uye vakasandonamatawo, mvura hainganayi munyika yavo. Jehovha achauyisa denda pamusoro pavo, denda raanorova naro ndudzi dzisingaendi kundopemberera Mutambo waMatumba. 19Ichi ndicho chichava chirango cheIjipiti uye nechirango chendudzi dzose dzisingaendi kundopemberera Mutambo waMatumba.

20Pazuva iroro pamabhero amabhiza pachanyorwa kuti, utsvene kuna jehovha, uye hari dzokubikira dziri mumba maJehovha dzichafanana nembiya tsvene dziri pamberi pearitari. 21Hari imwe neimwe iri muJerusarema nomuJudha ichava tsvene kuna Jehovha Wamasimba Ose, uye vose vachauya kuzobayira vachatora dzimwe hari vagodzibikira. Uye pazuva iro hakuchazovazve nomuKenani muimba yaJehovha Wamasimba Ose.

Copyright information for SnaBDSC